Isaiah 15

Chiprofita pamusoro peMoabhu

1Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu:

Ari romuMoabhu rava dongo,
rakaparadzwa usiku!
Kiri romuMoabhu rava dongo,
rakaparadzwa usiku!
2Dhibhoni rakwira kutemberi yaro,
kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema;
Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha.
Misoro yose yaveurwa
ndebvu dzose dzabviswa.
3Munzira dzomuguta vakapfeka masaga:
pamusoro pamatenga edzimba
uye nomumatare, vanoungudza vose,
vakazvambarara vachichema.
4Heshibhoni neErieri dzinodanidzira,
manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi.
Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira,
uye mwoyo yavo yaziya.

5Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu;
vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari,
kusvikira kuEgirati-Sherishiya.
Vanokwidza nenzira yokuRuhiti,
vanofamba vachichema,
munzira yokuHoronaimi
vanochema kuparadzwa kwavo.
6Mvura yokuNimirimi yakapwa
uye uswa hwaoma;
bumhudza rapera
uye hapachina chakasvibirira chakasara.
7Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza
vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.
8Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu;
kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi,
kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
9Mvura yapaDhimoni yakazara neropa,
asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni,
shumba pamusoro pavatizi veMoabhu
uye napamusoro pavaya vakasara munyika.
Copyright information for SnaBDSC